Mnangagwa’s most popular qoutes

Date:

Share post:

“Vekumavhitori vanoti kumagumo kune nyaya. Tasvika here panyaya. Ukahwa vanhu vachiti kumagumo kene nyaya zvivheneke uvone kuti painouya nyaya iyi kumagumo unenge uri papi.

“The President knows that Masvingo is the backbone of the party. There are others who may come and say otherwise but that is just empty talk.  Masvingo iri mumusangano weZanu PF takabatana, tigoramba takangobatana, tichifamba takangobata uye tichichemana takabatana.”

“Gwendo ugwu rurefu. Hatitangi gwendo tiri tose. Kune vanotanga gwendo vamwe vozopinda mugwendo asi gwendo gwuchingofambiwa.”

“Munhu anofanira kufunda kuti gwendo gwunofambiwa sei nevakagwutanga. Kana wopindira mugwendo pakati wobva wati gwendo gwava gwangu hausviki kunofanira kuti gwendo gwukusvitse.”

“Zvinhu zvose zvine ronga. Hauteyi riva mugomo uchida kubata mhashu kana kuisa duvu mugwizi uchida kubata tsuro hazvigoni. Vanohwisisa hwisisai, vonovona vonesesai nguva ichipo.”

“Kana ukarota nyika ino ichitongwa nemusangano usiri Zanu PF, muka ubike doro kuti hope dzabvepi idzi. Bika doro kuti mudzimu wandirasha.”

“Regai ndikuvimbisei, vanonzwa vanzwisise, vanovona vonesai ndichitaura. Musangano uyu unoera, uchatonga, ugotonga, uchingotonga, vanovukura vagovukura, vachingovukura.”

“Chero kucongress haana kuzouya, ndinoreva Runaida. Chokwadi chokwadi pwere yakadero yaida kubvisa VaMugabe pachigaro vachitsigirwa naDidymus naRugare Gumbo. Paaaasi navooo….”

“Ndozvakaitika kuti vadzingwe mumusangano. Havana kubuda mumusangano asi kuti vakadzingwa mumusangano. Pane siyano ipapo. Vanonyora vanonyora kwanzi kwava nesplit, kwava neparty mbiri—bodo tsvo. Vakadzingwa nemhosva dzavo. Didymus akadzingwa. Mliswa akadzingwa. Teurai akadzingwa.

“Zanu PF is a revolutionary party, if you do not tore the correct line you go.
“Pamberi nemhandu, pamberi nemhandu, pamberi nemhandu, pamberi nemhanduuu…ah sorry pasi nemhanduu…”

TellZimNews
TellZimNewshttps://tellzim.com
TellZim News is the leading news organization in the Southern region. It provides candid, balanced and timely news from the communities. Keeping it real. Committed to tell Zimbabwe.

LEAVE A REPLY

Please enter your comment!
Please enter your name here

Related articles

Sandon Academy throws a massive celebration for academic excellence

By Virginia Njovo Sandon Academy, one of the best privately owned schools in the province and beyond, recently held...

Matuke calls for learners to use time efficiently for quality results at Sandon

By Virginia NjovoGUTU – Sandon Academy Founder and Chief Executive Officer Lovemore Matuke has urged learners to use time...

NetOne, Heal Us Zimbabwe launch 23-day walkathon to combat drug crisis

By Staff ReporterBEITBRIDGE – NetOne, Zimbabwe's state-owned mobile network operator, has partnered with grassroots organization Heal Us Zimbabwe to...

Budula Festival returns with expanded vision, trans boundary participation

By Beatific GumbwandaThe second edition of the Budula Festival is set to make a bold statement when it...