Ladies and gentlemen the moment we have been waiting for the whole of 2021 is just around the corner and only a week away from now. Zvamurimi mugodhakwa muchikanganwa kuti January is coming, fees dzinenge dzichidiwa, let’s drink responsibly. Let us mask up OMIRIKON iriko kkkk. The Christmas holidays are here cdes, let’s travel safely, zvekuzodeedzwa kundufu hobo hobo madonha pamigwagwa hatizvide. But someone recently said January wacho has already come in December because yuwesi racho harisi kubatika. Mati madii?Kkkkkkk
Merry Christmas to you all women and men, of course save for Marry Mubaiwa or Chiwenga. Mapombi semunhu wechidzimai, guru rekubereka rinochecheta ndikafunga zvirikuitika kuna Marry waGenerari. Kutambiswa chamutavanhava naformer roommate. Vakuru vakataura vakati chawira mwana wehama hachisekwi, zvokwadi ndiri kuzviona uye moyo wekubereka wadzimba ndakatarisa chimiro chaMarry Chiwenga. Ko nhai Genarari hamuoniwo here chimiro cheaimbova mudiwa wenyu kuti hachisisina kuti twasa uye denda riri paari raramba rangoti takarasima naye. Ndaifunga kuti munhu wese ane moyo but am now doubting if men were created equally or moyo yakasiyana siyana. A sinful heart is just like a crooked fence, for all the paint in the world won’t straighten it, so goes the saying and versus the reality currently obtaining in the case between the two former love-birds, shows just how the differences have become irreconcilable.
To make matters worse, the trial resumed during the 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence and Marry just played the role of a woman who bore the brunt of patriarchal hegemony and cruelty during that particular time when people around the globe were trying to advocate for the cause of women. This matter has dragged so much in courts and I think they have failed, ko vari kudii havo kuindesa kwashe, I am proud of our traditional leaders when it comes to marital matters, havamisi kkkkk.
Speaking of Chiefs, let me hasten to say Big up to my Bamukuru, kkk eh vakaroora sis vanguka Chief Murinye. I think all chiefs should copy from our Murinye. Yes the guy has guts, kana kuti liver zvinongotaurwa nevakomana vepaTwitter because the audacity yakapenga kkkk, kuudza ED kuti hokoyo ne coup kkk. Hanzi toudza here PV vapamhe zvavakamboita gore riya kkkk. Valerio I am sure you heard the chief, hanzi matank ngaapinde zvakare mutown kkkkk. Hanzi corruption is the cancer eating away our economy kwete zvemaSanctions. If we could find more chiefs like him, I think zvinhu zvofamba ini. Infact, he was supposed to have joined Chief Ndiweni time ichiripo, the tag team would have produced something better. I think the Chief’s council president is taking a leaf; we need leaders with people at heart, who take the bull by its horns not sanitizing corruption. Fortue kkkk, please confront Zanu PF for our misery kwete zvebootlicking izvo. The only thing fortue said this year is kuramba US$50 yemaphone yaMthuli iya. But Chimuface chiya chotijairira, icho Mthuli kkkk chakataura zvema 2% tax paya tikafunga mafunnies ikozvino tikungorohwa mari hedu. Izvezvi mukasaita serious muchaona zvemaUS$50 izvezvi zvichitoitwa takatemba kkkk. We know that if you give this hurumende a centimeter they will take a kilometer. Mthuli is a hardcore neo-liberal capitalist muface uya. He thinks everyone anoseva chingwa nebacon, and all he wants to do is to punish Zimbabweans, kuita kutikama, kusvozva chaiko. Wonzwa chodada zvacho nesurplus budget, iyo inenge yehurombwa iyoyo. Varume musadaro imi.
Back to madzishe angu, I am sure ana Chief Mugabe you are getting it, ana Nhema newe Ndanga paZaka apo. Moenda kunedziya dzekuUuzumba dzekuda kuvhukunyura Bob kuti these are the kind of Chiefs we emulate kwete zvekucherana nezvitunha. We need Chiefs who side with people not Zanu.
But as usual I suspect these guys in cheap black nylon suits and dark sunglasses have already visited our Chief. I heard neredu dhongi repaTwitter Jamwanda saying the Chief has already called him ready to address the matter kkkkk. One thing I like about it, shoko harivhikwi makatozvinzwa, endai zvenyu chief munoti makaresva kunzwa that is not what I meant but zvakatotaurwa kkkk. Mongotiwo it was a moment of madness ndanga ndamborova one or two cups dzemukumbi wakauya kuzovhurwa navashe few weeks ago Mwenezi uko.
Zvakaoma heyo nyaya yeGonyeti remupunga raifanirwa kuinda kwaChivi rikarohwa nechadzimira rakananga Harare yadzokororeka pengai chief mupiwe rice renyu kkkk. Killer Zivhu akabirwa rake gore riya zvikarova kkk. But iye Killer uyu kkk, I saw he is in the Mavhenyengwa faction kkkkk. Ko hamusi kuziva, he is still Zanu PF that guy Once Zanu PF, always Zanu PF so vamwe vaya please take a chill pill kkkk. Handisini ndadaro ndi Joji kkkk. Sometimes Zivhu goes on sosho media kunorakasha zvake but he sometimes forgets kuti arikurakasha ani, vanhu vopera havozve kutemwa nemastray bullets, Killer vanhu killer, asi paTwitter vanouka havo havaregi, hohodo, unoitwei kushunamidzwa!
I heard mari yemota yemukomana yakwana, please kana yatengwa imi vanhu ve Zanu tokuzivai, musiye mota yemwana please. This time mukanetsa we will call the man of the moment Nemaisa to deal with you kkkk, munododwa senhodo. Musorobhangu Jonso, ndoreva Moyo kwete Madhuku, chete vanabhanguza vacho vawanda vanaProf Jonso vane kahunhu kakada kufanana, kkkkk. Anyway regai nditaure nyaya yacho. That man is still grappling at straws for his lost political relevance. Hameno what he suggested to Chamisa about money to train polling agents akagoti omomoterwa nezvinyuchi zvemukomana wepaGutu. He was told to use his own political advice to resuscitate his dead political career kkkkk. Ndambozvireva ini kuti paTwitter vanombaikubudira musaga,kkkk. You may have been at one point the sharpest political brains around mukuru but zvakati pepepe dhuu!kkkk Go where your advice is appreciated, kana vana Chamisa vasingadi siyai so, vachazvionera pamhino sefodya come 2023.
Asi Zimbabweans so, hanzi handei tinoisirwa mae-passport edu muflash. Mapombi is not against moving with time and not against the E-PASSPORT, yes we need kufambirana nenguva ladies and gentlemen, ndozviriko these days but this should not be at the expense of others. I hear many complaining about the two-year period yakapiwa those who have traditional passports to replace as it is too little, why not just allow them to expire then when renewing munhu opiwa E yacho? I heard kuti the difference is minor, so regai vakatora aite expire unless you say replacing is free kwete kungoda kutimocha pose pose. Imagine you would have renewed yours last week wakabhadhara $318 yuwesi woudzwa kunzi panoda imwezve $200, haa varume ka! Remind me ndigotaura nezveyeCBZ iyoyi yakanzi ndokuchange kuchibhadharwa mari dzacho. Corruption in this country needs us to be removed kubva munyika tose tomboiswa somewhere, muno monyatsosukwa mocleanwa mofiritwa tozodzoserwa because haiwa bodo!
Before I go hangu for my usual lunch, ko Failton Svimambo neZifa yake vakazodiikowo, i heard he is raising the middle finger to Zifa kkkk. Please failton you have failed, just leave and your team so that a new crop takes over. On that note, musazoita semakanokorwa tsoka neshiri during the holidays vanhuwe muchingombeya because Covid-19 is dangerous,topera.
VaMboko varipiko wee? Mboko imboko!