Ladies and gentlemen while the heatwave keeps torturing us, it seems as if our hope for a better Zimbabwe are also being fried by these temperatures. It’s as if being Zimbabwean is becoming harder by the day, and we are almost completing the circle from where the country was pre-independence. Vaidya havo vamwe isu vanyai tichitambura, nanhasi pachiripo ipapo. Unoshaya kuti zvinhu zvacho zvinombofamba sei. But inini hangu I have a question; makanyatsoenderei kuhondo chaizvo imi vakaenda, because it looks like you only wanted to change the leadership but maintaining the system as it is. The level at which Zimbabweans are taxed you would think everything is for free—education, health, transport nezvimwe zvakadaro. Tell me nhai Mthuli kuti what part of our health or education system justifies the Zimbabwean populace being taxed like that? Zvipatara angori madangwaza, zvikoro zvacho, the public schooling system angova mamvemve. In this age, almost all primary schools in remote areas ane midhuri inoita kunge ichawira vana vachidzidza. Pamwe pacho hapana kana door kana window, kungoda kunyora kudai mombe yatonanzva board. Kumwe kutori nemaclassroom emadhaka, mapango neuswa, vamwe vachitodzidzira pasi pemiti vachinzvengana nezvinyavada. Someone very clever once said Mthuli is a hardcore anti-poor charlatan because since he got into that office, all his policies have been outrageous to say the least. Yes, Mapombi is aware that he does not do it alone, he has the blessing of mashefu ake kuZanu ikoko but he is the face of financial oppression. Mozviziva here kuti one of the main reasons the liberation war was fought was to do away with these ridiculous taxes? Taxing people for simply breathing in their homes is what made people take up arms before 1980, imi ndozvomoti takarasima nazvo izvozvo semunopenga.Zvasiyanei nanaHut tax nanaDog tax kana murimi? Unonzwa Zanu ichiganza hanzi everyone is employed, because now the rest of the citizenry varikungwavha ngwavha to merely survive, motevererazve ikoko kumaSMEs moreducer futi VAT threshold by almost half. Chii ichocho chinenge ngozi? As if that is not enough, you raise toll fees, knowing fully well kuti mabasa ekuzviitira aya require a lot of ups and downs intercity, and out of the country. Mabhazi vazhinji vachamaonera kuhope sabhinya, because obviously mabusfares achatokwira. Ko iwo mapassport kana ndimiwo veduwe. I laughed ndichinzwa hangu some classist lunatic anonzi Musasiwa, ehe iyeye, achidhomoka saying hee vanhu ngavarege zvemabeverage ane sugar, they are not healthy, imi siyai kuputa mashizha nhaika. Munoziva some people’s classism knows no bounds. You think if you can afford buying the so-called healthy foods mofunga kuti ruzhinji rweZimbabwe can afford it, as if you are blind to what happens between the have-and-have-nots munyika umu. Macheap drinks iwayo are essential for poor children. Vendors are making a living from selling those sweetened beverages, vachitoraramisa mhuri dzavo. Chero doro racho kana richinwiwa responsibly rakashatei, because Delta yacho futi ndoyamuri kudada nayo in terms of profits and economic growth. Chembere dziya dzekumamisha maidzinyengerera nemapepsi kuti dzikuvhoterei, ikozvino makuda kuti vasafe vakaanwa until next election, ndopayaka patinoti you are anti-poor nhai Mthuli. Bambo ava vanenge vanofunga kuti we are in some first world country where they don’t joke around with taxes, yet the social security system yakasimba senjanji. Apa hapana chimwe, kuda kungotorera the general populace all the power, so that vanoita havo zvavanoda. The other thing that shows kuti Mthuli anosvuta madhaka is the timing—we have an impending drought and of course food shortages due to the El Nino, ndopoouya nemazitax ekupenga akadaro. Can’t you read the room nhandi? What benefit do you get from making people suffer nanaED venyu ikoko? Uzonzwa hanzi Zimbabwe is open for business, hee ease of doing business, hee upper-middle income economy by 2030. Munenge munotofunga henyu kuti masaramusi chaiwo because how do you think that is going to happen zvichidai.
Chete nyika yacho inoitawo seyakanokorwa tsoka neakafa asisagoni kuroyonora. Opposition chaiyo hatina, and it looks like ndozvaingoda Zanu pese apa, kuita one party state. Makamunzwaka Mavhima achiti toda kuita seChinese Communist Party, zvichireva kuti one party state ndoyavanoda chaiyo. Yes, you may want to be like China but ibvai makopa book racho rese, kuChina corruption vanouraya havadi kana kuiona. Vanotofara when they come here kwavanoita bum jive nemaresources enyika pasina anobvunza. Environment vatombora tombora pese pese, and they are coming for everything, and ndozvavo chaizvo izvozvo zvekuti pavabata vatora. I’m beginning to suspect that our current leadership inoda kuvhara nyika as soon as their generation yangopera, kano kanyika kotoita kaextension keChina. Muno muglobal south China iri kutoda nezvamo and Zimbabwe yakanyatsoti mukova haradada kuti pindai zvenyu muite yamunolover. Now, back to the opposition, I think its biggest undoing is not having a strategy to vet and discern who is genuinely for the struggle and who is not. Mapombi akamboreva gore riya kuti madisgruntled Zanu supporters ese aya, and chavanodira kupinda kudya chete hapana chimwe. Most have have long lost the conscience of what it is to fight for change, vangomirira musi wavanopinda kuti vadyewo, and it has been made easy by the clear distinction between urban and rural voting patterns. Ini ndinoda kuziva ini kuti vanhu vaTshabangu chaivo chaivo ndivanaani and sei vachimuramba pachena? Roki, despite it being known that he is a Tshabangu apologist, he keeps insisting that his nomination papers were signed kuHarare naSG anozikanwa, Hwende. Hwende says Roki kanopenga and kanonyepa, so who should we believe? Now those who were recalled have been barred from contesting under CCC, which means where Tshabangu has not fielded candidates kwava kweZanu. Contrary to popular belief, Mapombi is beginning to think that Tshabangu surely had a genuine issue, kungoti chete akazoita zvemhashu zvekutsamwa nekuzvibvarura dumbu. Seriously, zvinobatsirei to have an opposition that is so vulnerable to state shenanigans zvekudambuka dambuka kudaro just because the ruling party sneezed. It shows that we would rather not have an alternative that never was, lest we go back the same Zanu route. PaZambia apo vakafarira n’anga inobata mai wani, nhasi vongoungudza, chero naiwo mahuman rights violations avaichema nawo adzoka. PaMalawi hatitauri, vakaisa anogona chirungu, hoyo wakuendesa vana kuutapwa, shuwa kudzosa slave trade yava nemakore yaitwa abolished, zvaiitwa nemadzimambo ekare zviya kutengesa vana. Munotsamwisa fani. But honestly, tinogona titi kushora Tshabangu, iye atori iye the brave one who was willing to bite the bullet, while the cowards who were disgruntled for long naChamisa vachingodya uroyi nekusvoda. Of course zvaTshabangu without the support of the courts zvine chidofo dofo, and iye wacho makangozvionerawo achitaura kuti he may not be the sharpest to do it. I believe there are a lot of disgruntled elements inside Changu Chete Chete, but they are just cowards who would rather do it discreetly, and badly at that too. VanaWelsh nanaBiti vanoziva havo zviri mumoyo mavo, else vakangofanana nanaJonono musiyano wozongiva pakuti Jonso haana mabhiriki hake. It’s just sad because the electorate inenge ine so much hope and they vote vachifunga kuti things will change only to be disappointed by people who are self-seeking. Again naTshabangu takazongokonanirana pakuti kuna Shanty “little girl”, a whole adult akatomboelectwa akaita mayor weguta. Ikoko kufunga like tichiri kuStone Age tokwatipa nhamo munyika. Women can lead. Young people can lead, and if you don’t agree, go argue with your ancestors.
Let me go ndinokanga maputi angu for lunch, mazuvano ndongoisa pazuva otoibva. Musaite mhirizhonga mudzimba, no to gender based violence. Ah ndange ndakanganwa, before I go, is it true kuti Sakupwnya atopinda Scott Free? Kana chiri chokwadi tototi inga Zanu inodiwa chose, kungoti pfee tese takatarisa, but that is no fair and Zanu PF nxaaa, I don’t think dai Dr Gire varipo zvaiitika zvakadai, ndopaya pavaizoti Stop It! You need to stop it! Nxaa ndobva ndafunga zvangu vakaramba kugarwa nhaka naMphoko. Mboko Imboko !!!
Tax Us Ranger Strikes Again
Leave a comment
Leave a comment