I know that some of you guys have already begun to idolize the father of all Zimbabwean problems, the late Baba Bona since a little after the 2017 coup. As for me, ndiregei zvangu ini, handizopuse kusvika pakudaro zvekufarira ngozi ndichiti mudzimu. I don’t think chero kumhuri kwacho chidhara chiya kune anotomboda kubudirwa nemudzimu wacho because iihh, rinenge richitori shavi zvaro. One thing I know however is that if he had the powers, he would have loved to live longer than he did, achingotonga. Vakomana ndofunga kutonga kunonaka vakomana because ummm, madirwo akunoitwa nevanhu vaya sooka. Ahh, ko ndangotanga nekulouder zvandajaira, I hope you guys are keeping safe, and hamusi kucrosser nzizi dzakazara nemvura iyi, munongofa ke pakava pasi. Hameno mapothole kuti vachamakwanisa here kuroads uko ivo vajaira kusiira maproject panzira mari yadyiwa zvayo nevane muromo. I heard Mthuli crying about Trump cutting foreign aid hanzi vanhu vachapera nemukondombera, I don’t know kuti the Aids levy inobhadharwa nevanhu iya inoshandei. If only our own government could learn to cut unnecessary spending sedzimwe nyika, we would be having state-of-the-art hospital facilities among other good things. Manje they would rather choose to buy maLandcruiser than kugadzirisa maroads kuti vasvike chero kwavanoda. Mapotholes anonzwika nevemaAkwaya chete, Sisonke imomo. Anyway, back to Bhobho, as they say, there is no rest for the wicked, even beyond the grave. He orchestrated most, if not all our problems so he gave up the right for his soul to rest in peace. Infact, I think he is turning in his grave seeing that those who grabbed power from him are copying from his book, word for word! They are even failing to see where correction is required, kungotora zvose. This endorsement bullshit is not new, takazviona izvi. Tsamba dziri kunyorwa nanaJenfan idzi takadziona idzi. Mabootlicker takambomaona aya, who actually did it way better than zvanaParadza izvi. Gore riya Obert Mpofu haana kuzviti most obedient son here? But when push came to shove, he was the one leading the pack kuda kuimpeacher Bhobho wacho? There is nothing new here, and I think chiri kushinyira Robert seeing all these mistakes being made nevanhu vanokara power. All that English Jenfan wrote defending nonsense hapana kana chitsva paya, even vana iota vese vaya mavhoko tomaziva isu. Remember in 2013 opposition yakaita kupetwa petwa in elections by Zanu, and ground was very fertile to reinforce power kutoita one party state, but that is when factionalism payakatoita senge yadirwa paraffin. At any given time, hativashaye vari disgruntled mumusangano, and they will be moving silently zvavo team 2030 ichiridza mabhosvo. No matter how much they want to deny factionalism, it will always rear its ugly head, we see it through how they act and react. The writing is on the wall; the way they keep sidelining Genarari shows that he is a threat to them. If he wasn’t we wouldn’t even have noticed, dai achingozora Ambi yake zvake ariko akazvinyararira. Extension of Valerio’s term not only spoke but shouted. Takatozvinzwa hedu. I doubt kuti kuri kurarika zvakanaka kuState house uko. One thing about politics rinenge bhora, hazvinei kuti maita possession 90% game rese, vagohwesa zvakawanda ndivo vanohwina. Nyaya ingori pabhora mugedhe chete. In 2017 we saw it all, atukirira Grace marally aitwa hobho hobho, and overnight all was gone. One thing though that I think will irritate Bob is the lack of time consciousness yeTeam 2030 because what we should remember is that from now until 2030 pane five years, and if so much could happen in one day back in November 2017, what more in five years? Bob will be infuriated by his student Baba Two for not taking into cognisance that he actually has enemies within the party vanotozikanwa, unlike Baba Bona vaingonamatwa nemunhu wese and when things went south, they jumped sides and became loyal to ED. There are many people who were never opposition vemumusangano who will find the means to fight the 2030 agenda, even if it sails through kuParliament kumatofo eopposition uko. Even if they do mareferrenda, constitutional amendment ikaitwa, it will never be as easy as they see it to be. The game plan seems too rash, far from the Mugabe style. Chete the bible says baba vebenzi havana mufaro, wakabereka benzi unohwa shungu, ndozvaakasiyavo izvi Bhobho, uku mabiological children arikupengeswa nemadrugs, mentee achioneswawo chitsvuku nepolitics, kkkk, huye bodo. Talking of mentees and mentors, kana tazogara macdes kune vanhu vanohustler in this country. Mudiwa has been everything, from being a rapper, actor wemadrama ekwaHubert Mudzanire emiracle money, onzizve naSusan Mutami ndirunner wevakuru, plus many other things. Pakuzoramba kuti I have never met Genarari ndopavakazomubatira, ko internet inombozvida here zvevanhu vanoramba zvavakaita, ndiye mav11 bvuu, kkkk. How can he say he has never met his cousin Marry Mubaiwa’s former husband? Kutijairira ikoko. Doesn’t he know that the internet does not give you the right to be forgotten? Association naGenarari mazuvano yakutyisa nemabhinya e2030 agenda aya. Even the Genarari himself said ngatiite zvepeace kuChikomo kwaperera vamwe vavo uko.
But ladies and gentlemen, one other thing that I think must be making Mugabe turn in his grave ndidzo shamwari dzedu dzekuEast idzi. Zviya zvekuti Zimbabwe will never be a colony again zvaiva zvaBa Bona zviya, now Zhingaz riri kuonesa mwana wemutema ndondo munyika yechipikirwa. The amount of brutality we are seeing from these so-called friends of ours haa the Smith regime would be green with envy. I once told you guys kuti the main aim of this establishment is to take us as far back into history as possible, until tadzokera kuMutapa kingdom. Vaya vasina kuona colonialism marangarirwa, just go to those mines and factories yethose friends from the East muzvionere. Muzukuru waNehanda ari parumananzombe, apa chekuita hapana, kushanda pfuti yakakokwa. The government does not have an alternative so kutongotamba irikurira. Zvishoma nezvishoma takaenda kwatakabva. I wonder where the loud mouths war veterans are because this is where we should see them raising their voices, not kungwarira paduri sehuku. Isn’t this what they fought against, zvekuona mwana wemutema achishungurudzwa nevachena?
Anyway, let me go ndinokanga maputi angu for lunch, while I wait for the messengers who will come to ask me about some of the issues I discuss here. Phone handina musazvinetsa henyu, chandinacho izambia netshirt yemusangano zvakanzi ‘nyika inotongwa nevene vayo’. These days kune madomasi, mabanana, miriwo zvakaora so I have a balanced diet. I am even developing zvimhasuru kuzomona mabhodho erupiza once Dr Amai comes neprogramme yeGota-Nhanga here in Masvingo. On second thoughts, I should speak too loudly about my rotten food stock ndinganzwikwa neZimra kwanaMasomere uko, kkkk.
These days tofa naro discourse from the anti-2030 failed opposition leaders, nanaDhagi Bango Rako takutovaonerawo ipapo. I am still disgruntled though about Prophet’s disqualification kuZifa uko because that man has done a lot for local football. Chete haiwawo, chero apinda kuZifa kwacho, chii chakanaka chingabva Nazareta? Same old. Zanu, Zifa, Zesa, Zimra zero!
Mugabe turning in his grave

Leave a comment
Leave a comment